Ezekiel 41:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakaʋona ʋo kuti paimba pakaŋga panapamŋe pakakwirira kumatiʋi ose; nheyo dzamakamuri okumatiʋi dzakaȿika rutsaŋga rwose, makubiti matanhatu kuȿikira pakusoŋgana kwamadziro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakaona kuti temberi yakanga ina pakakwirira kumativi ayo ose, panova ndipo paiva nheyo yamakamuri omumativi. Yaiva nourefu hwakaenzana netsvimbo yokuyera yakareba makubhiti matanhatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakaonawo kuti muTemberi makanga muine huva yakakwirira kutenderera yose. Ugaro hwedzimba dzomumativi dzacho hwakanga huchiita mamita maviri marefu kureba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakaonawo kuti paimba pakanga panapamwe pakakwirira kumativi ose; nheyo dzemukamuti okumativi dzakasvika rutsanga rwose, mamita matanhatu kusvikira pakusangana kwamadziro.
Shona 2009?
Ndakaonawo kuti paimba pakanga panapamwe pakakwirira kumativi ose; nheyo dzemakamuri okumativi dzakasvika rutsanga rwose, mamita matanhatu kusvikira pakusangana kwamadziro.
Shona SUB 2002 Bible
Ndakaonawo kuti paimba pakanga pana pamwe pakakwirira kumativi ose; nheyo dzemukamuti okumativi dzakasvika rutsanga rwose, mamita matanhatu kusvikira pakusangana kwamadziro.