Ezekiel 42:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Seɀakaŋga ɀakaita mikoʋa yamakamuri akaŋga ari kurutiʋi rwezasi, saiɀoɀo kwakaŋga kunomukoʋa pakuguma kwenzira, iyo nzira yakaŋga yakaruramira pamberi poruȿiŋgo kurutiʋi rwamabvazuʋa, kana munhu acipinda mukati mawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ndizvo zvakanga zvakaita mikova yamakamuri ezasi. Pakanga pane mukova paitangira nzvimbo yokufamba nayo pakanga pakangoenzana namadziro akanangana nawo zvichipfuurira zvakananga kumabvazuva, kana munhu achipinda mumakamuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uyezve nechapasi kwedzimba dzokumaodzanyemba kwaiva nepokupinda napo nechokumabvazuva ukange wapinda napamukana iwoyo uye pakanga pakatarisana nadzo paiva nechidziro chaiganhura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sezvakanga zvakaita mikova yamakamuri akanga ari kurutivi rwezasi, saizvozvo kwakanga kuno mukova pakuguma kwenzira, iyo nzira yakanga yakaruramira pamberi porusvingo kurutivi rwamabvazuva, kana munhu achipinda mukati mawo.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible