Ezekiel 42:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akati kwandiri: Makamuri okurutiʋi rwokumsoro namakamuri okurutiʋi rwezasi, ari pamberi penɀimbo iri yoga, ndiwo makamuri matȿene, panofanira kudyiwa ɀinhu ɀitȿene‐tȿene naʋaprista ʋari pedyo naJehova; ndi’po paʋacafanira kuisa ɀinhu ɀitȿene‐tȿene, neɀipiriso ɀoʋupfu, neɀipiriso ɀeɀiʋi, neɀipiriso ɀemhoȿa; nokuti inɀimbo tȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akati kwandiri, “Makamuri okumusoro neezasi iwo akatarisana noruvazhe rwetemberi ndeevaprista, ndipo panodyirwa zvipiriso zvitsvenetsvene navaprista vanoswedera pana Jehovha. Vachaisa ipapo zvipiriso zvitsvene-tsvene, zvipiriso zvezviyo, zvechivi, uye zvemhosva, nokuti nzvimbo yacho itsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazoti kwandiri, “Dzimba dzokuchamhembe nedzimba dzokumaodzanyemba dzakatarisana nenhandare, dzimba dzinoera, munodyira vapristi vanoswedera pana Tenzi mipiro inoeresesa kwazvo. Imomo ndomavacharongedza mipiro inoeresesa kwazvo inoti: mupiro woupfu hwembesanwa nomupiro wokupirira zvitadzo nomupiro wokuripira mhosva nokuti nzvimbo iyoyo iNzvimbo Inoera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati kwandiri, “Makamuri okurutivi rwokumusoro namakamuri okurutivi rwezasi, ari pamberi penzvimbo iro yoga, ndiwo makamuri matsvene, panofanira kudyiwa zvinhu zvitsvene-tsvene navapristi vari pedyo naJehovha; ndipo pavachafanira kuisa zvinhu zvitsvene-tsvene, nezvipiriso zvoupfu, nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvemhosva; nokuti inzvimbo tsvene.
Shona 2009?
Zvino akati kwandiri, "Makamuri okurutivi rwokumusoro namakamuri okurutivi rwezasi, ari pamberi penzvimbo iyo yoga, ndiwo makamuri matsvene, panofanira kudyiwa zvinhu zvitsvene-tsvene navaprista vari pedo naJehovha; ndipo pavachafanira kuisa zvinhu zvitsvene-tsvene, nezvipiriso zvoupfu, nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvemhosva; nokuti inzvimbo tvsene.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati kwandiri, “Makamuri okurutivi rwokumusoro namakamuri okurutivi rwezasi, ari pamberi penzvimbo iro yoga, ndiwo makamuri matsvene, panofanira kudyiwa zvinhu zvitsvene–tsvene navapristi vari pedyo naJehovha; ndipo pavachafanira kuisa zvinhu zvitsvene–tsvene, nezvipiriso zvoupfu, nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvemhosva; nokuti inzvimbo tvsene.