Ezekiel 42:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akapayera kumatiʋi ose manna; pakaŋga panoruȿiŋgo rwakapoteredza, rwakaŋga rwakaita ɀiyero ɀinamazana mashanu pakureɓa, namazana mashanu paʋupamhi, kuti ruparadzanise pakati peɀitȿene neɀisati ɀiri ɀitȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka akayera nzvimbo kumativi mana ose. Yakanga ino rusvingo rwakaipoteredza, mazana mashanu amakubhiti pakureba uye mazana mashanu paupamhi, kuti zviparadzanise zvitsvene nezvisati zviri zvitsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaiera mativi mana. Yakanga iine chidziro, kuitenderera, chakanga chichiita mamita mazana maviri namakumi mashanu kureba uye mazana maviri namakumi mashanu amamita upamhi chokuparadzanisa kudivi rinoera nedivi risingaeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akapayera kumativi ose mana; pakanga pane rusvingo rwakapoteredza, rwakanga rwakaita zviyero zvina mazana mashanu pakureba, namazana mashanu pahupamhi, kuti ruparadzanise pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible