Ezekiel 42:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi makamuri okumsoro akaŋga ari maɗuku kunamamŋe, nokuti maɓiraʋira akaŋga aciatapudzira, kupfuʋura apasi naapakati mukati meimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino makamuri apamusoro akanga ari maduku, nokuti nzvimbo dzokuratidzira dzakanga dzatorera nzvimbo yakawanda kubva paari kupfuura makamuri apasi namakamuri apasi namakamuri apakati peimba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino dzimba dzapamusoro dzako dzakanga dzakati dukupei nokuti maperere akanga akadzitorera nzvimbo yakati kuti kupfuura dzimba dzapasi nedzapakati dzacho dzapamba iyoyo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi makamuri okumusoro akanga ari maduku kuna mamwe, nokuti mabiravira akanga achiatapudzira, kupfuura apasi naapakati mukati meimba.
Shona 2009?
Asi makamuri okumusoro akanga ari maduku kuna mamwe, nokuti mabiravira akanga achiatapudzira, kupfuura apasi naapakati mukati meimba.
Shona SUB 2002 Bible
Asi makamuri okumusoro akanga ari maduku kuna mamwe, nokuti mabiravira akanga achiatapudzira, kupfuura apasi naapakati mukati meimba.