Ezekiel 43:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ubgu ndibgo ʋukuru bgeartari ɀiciyerwa namakubiti (kubiti ndiro kubiti rimŋe noʋupamhi bgecanza): Cigadziko cinofanira kuita kubiti rimŋe, noʋupamhi kubiti rimŋe; citenderedzo cayo panhiʋi dzayo cinofanira kuita ʋupamhi bgecanza; ndi’po pasi peartari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Izvi ndizvo zviyero zvearitari mumakubhiti marefu, kubhiti riri kubhitia noupamhi hwechanzab: Chigadziko chayo chakadzika kubhiti rimwe chete nekubhiti rimwe chete paupamhi, nomuromo uno upamhi hwechanzac pamusoro. Uku ndiko kukwirira kwearitari:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uku ndokupimwa kwakaitwa atari ichierwa namamita, (mita racho iroro rimwechete richiita zana ramasendimita rina masendimita mana). Pasi payo pakaita masendimita makumi mashanu namaviri kureba kuenda mudenga, ichiitawo masendimita makumi mashanu namaviri kufara, iine bhande rinoita makumi maviri amasendimita ana masendimita mashanu kureba kuitenderera. Uhu ndohurefu hweatari iyoyo kukwira mudenga,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uhwu ndihwo ukuru hwearitari zvichiyerwa namamita mita ndiro mita rimwe noupamhi hwechanza: Chigadziko chinofanira kuita mita rimwe, noupamhi mita rimwe; chitenderedzo chayo panhivi dzayo chinofanira kuita upamhi hwechanza; ndipo pasi pearitari.
Shona 2009?
Uhwu ndihwo ukuru bwearitari zvichiyerwa namamita (mita ndiro mita rimwe noupamhi bwechanza): Chigadziko chinofanira kuita mita rimwe, noupamhi mita rimwe; chitenderedzo chayo panhivi dzayo chinofanira kuita upamhi bwechanza, ndipo pasi pearitari.
Shona SUB 2002 Bible
Uhwu ndihwo ukuru hweatari zvichiyerwa namamita mita ndiro mita rimwe noupamhi hwechanza: Chigadzikiro chinofanira kuita mita rimwe, noupamhi mita rimwe; chitenderedzo chayo panhivi dzayo chinofanira kuita upamhi hwechanza; ndipo pasi peatari.