Ezekiel 43:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musara unofanira kuita makubiti anegumi namanna pakureɓa, ʋuye anegumi namanna paʋupamhi kumatiʋi aro manna; citenderedzo cinopoteredza cinofanira kuita hafu yekubiti; cigadziko cayo cinofanira kuita kubiti rimŋe kumatiʋi ose; ɀikwiriso ɀayo ɀinofanira kutarira kurutiʋi rwamabvazuʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mupanda wokumusoro naiwowo una mativi akaenzana, wakareba makubhiti gumi namana uye makubhiti gumi namana paupamhi, nomuromo une hafu yekubhiti nechigadziko chekubhiti rimwe chete pakutenderera kwaro. Zvitsiko zvearitari zvakatarisa kumabvazuva.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chimbimbi chawo chakanga china mativi mana akaenzana, urefu hwacho huri mamita manomwe, upamhi hwachowo huri mamita manomwe chiine bhandi rakachitenderera rinoita masendimita makumi maviri namashanu. Pasiwo pacho pakaita hafu yemita kupatenderera. Matanho apaatari akanga akatarisa kumabvazuva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Musara unofanira kuita mamita ane gumi namana pakureba, uye ane gumi namana paupamhi kumativi aro mana; chitenderedzo chinopoteredza chinofanira kuita hafu yemita; chigadziko chayo chinofanira kuita mita rimwe kumativi ose; zvikwiriso zvayo zvinofanira kutarira kurutivi rwamabvazuva.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible