Ezekiel 43:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, ɀanzi naShe Jehova: Iyi ndiyo mitemo yeartari nezuʋa raʋanoriita, kuzopisira’po ɀiɓayiro ɀinopiswa, nokusasira’po ropa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha: Iyi ndiyo ichava mitemo yokubayira zvibayiro zvinopiswa nokusasa ropa pamusoro pearitari painenge yavakwa:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazonditi, “Iwe mwanakomana womunhu zvanzi naTenzi Mwari mirao yapaatari ndeyiyi iyi: Pazuva rainovakirwa kupirira pairi mupiro yokupisa uye nokusasa ropa pairi
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Iyi ndiyo mitemo yearitari nezuva ravanoriita, kuzopisirapo zvibayiro zvinopiswa, nokusasirapo ropa.
Shona 2009?
Zvino akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Iyi ndiyo mitemo yearitari nezuva ravanoriita, kuzopisirapo zvibayiro zvinopiswa, nokusasirapo ropa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Iyi ndiyo mitemo yeatari nezuva ravanoriita, kuzopisirapo zvibairo zvinopiswa, nokusasirapo ropa.