Ezekiel 43:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ʋapedza mazuʋa, nezuʋa rorusere, naanoteʋera, ʋaprista ʋanofanira kuʋuya neɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa paartari, neɀipiriso ɀenyu ɀokuyananisa; ipapo ndicakugamucirai — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwamazuva iwayo, kubva pazuva rorusere, vaprista vanofanira kuuya nezvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana paaritari. Ipapo ndichakugamuchirai, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana vazopedza mazuva iwaya, ipapo kubvira pazuva resere zvichienda mberi vapristi vachange vachipira paatari mipiro yenyu yokupisa nemipiro yenyu yokuwadzana, ndichakugamuchirai” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana vapedeza mazuva, nezuva rorusere, naanotevera, vapristi vanofanira kuuya nezvipiriso zvenyu zvinopiswa paaritari, nezvipiriso zvenyu zvokuyananisa; ipapo ndichakugamuchirai,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Zvino kana vapedza mazuva, nezuva rorusere, naanotevera, vaprista vanofanira kuuya nezvipiriso zvenyu zvinopiswa paaritari, nezvipiriso zvenyu zvokuyananisa, ipapo ndichakugamuchirai," ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana vapedeza mazuva, nezuva rorusere, naanotevera, vapristi vanofanira kuuya nezvipiriso zvenyu zvinopiswa paatari, nezvipiriso zvenyu zvokuyananisa; ipapo ndichakugamuchirai,” ndizvo zvinotaura Jehovha.