Ezekiel 43:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuisa cikumbaridzo caʋo pacikumbaridzo caŋgu, nembiru dzemikoʋa yaʋo parutiʋi rwembiru dzemikoʋa yaŋgu, kukaŋgoʋa necidziro pakati paŋgu naiʋo; ʋakaȿiɓisa zita raŋgu neɀinonyaŋgadza ɀaʋo ɀaʋakaita; naiɀoɀo ndakaʋapedza nokutsamŋa kwaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pavanoisa chikumbaridzo mujinga mechikumbaridzo changu namagwatidziro pajinga negwatidziro rangu pachingova norusvingo pakati pangu naivo, vanosvibisa zita rangu dzvene nezvinonyangadza zvavanoita. Saka ndakavaparadza mukutsamwa kwangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanoita izvi nokuisa misuo yavo pamusuo pangu namagwatidziro avo akatarisana namagwatidziro angu, nechidziro chiricho choga chatakaganhurana, ivo neni. Vakan'oresa zita rangu rinoera zvinosemesa zvavo zvavakaita, ndokusaka ndakavaroromesa nehasha dzangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuisa chikumbaridzo chavo pachikumbaridzo changu, nembiru dzemikova yavo parutivi rwembiru dzemikova yangu, kukangova nechidziro pakati pangu naivo; vakasvibisa zita rangu nezvinonyangadza zvavo zvavakaita; naizvozvo ndakavapedza nokutsamwa kwangu.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible