Ezekiel 44:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ʋaciɓuɗira kuruʋazhe rwokunze, iko kuruʋazhe rwokunze kuʋanhu, ʋanofanira kubvisa ŋguʋo dzaʋo dzaʋanoshumira nadzo, ndokudziisa mumakamuri matȿene; ʋanofanira kufuka dzimŋe ŋguʋo, kuti ʋarege kuita ʋanhu ʋatȿene neŋguʋo dzaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pavanobuda vachipinda muruvazhe rwokunze kunova ndiko kuna vanhu, vanofanira kubvisa nguo dzavanga vachishumira nadzo vagodzisiya mumakamuri matsvene, vagopfeka dzimwe nguo, kuti varege kunatsa vanhu nenguo dzavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uye pavanobuda kunhandare yokunze kuvanhu, vanofanira kubvisa magemenzi avanga vachishanda vakapfeka voarongedza mudzimba dzinoera vopfeka mamwe magemenzi nokuti vangadaro vakaitisa vanhu zvinhu zvino muko namagemenzi avo iwayo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana vachibudira kuruvanze rwokunze, iko kuruvazhe rwokunze kuvanhu, vanofanira kubvisa nguo dzavo dzavanoshumira nadzo, ndokudziisa mumakamuri matsvene; vanofanira kufuka dzimwe nguo, kuti varege kuita vanhu vatsvene nenguo dzavo.
Shona 2009?
Kana vachibudira kuruvanze rwokunze, iko kuruvazhe rwokunze kuvanhu, vanofanira kubvisa nguvo dzavo dzavanoshumira nadzo, ndokudziisa mumakamuri matsvene; vanofanira kufuka dzimwe nguvo, kuti varege kuita vanhu vatsvene nenguvo dzavo.
Shona SUB 2002 Bible
Kana vachibudira kuruvanze rwokunze, iko kuruvazhe rwokunze kuvanhu, vanofanira kubvisa nguo dzavo dzavanoshumira nadzo, nokudziisa mumakamuri matsvene; vanofanira kufuka dzimwe nguo, kuti varege kuita vanhu vatsvene nenguo dzavo.