Ezekiel 44:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akaenda neni nenzira yesuʋo rokurutiʋi rwokumsoro pamberi peimba; ndikatarira, ndikaʋona kubginya kwaJehova kucizadza imba yaJehova; ndikawira pasi neciso caŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo murume uyu akandiuyisa nenzira yesuo rokumusoro nechemberi kwetemberi. Ndakatarisa ndikaona kubwinya kwaJehovha kuchizadza temberi yaJehovha, ndikawira pasi nechiso changu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akandiunza nenzira yokuSuo Guru rokuchamhembe kumberi kweTemberi. Ini ndikatarisa ndikaona kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazara muTemberi yaTenzi ndikawira pasi nouso.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akaenda neni nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro pamberi peimba; ndikatarira, ndikaona kubwinya kwaJehovha kuchizadza imba yaJehovha; ndikawira pasi nechiso changu.
Shona 2009?
Ipapo akaenda neni nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro pamberi peimba; ndikatarira, ndikaona kubwinya kwaJehovha kuchizadza imba yaJehovha; ndikawira pasi nechiso changu.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akaenda neni nenzira yesuwo rokurutivi rwokumusoro pamberi peimba; ndikatarira, ndikaona kubwinya kwaJehovha kuchizadza imba yaJehovha; ndikawira pasi nechiso changu.