Ezekiel 44:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, cerekedza ɀakanaka, utarire nameso ako, unzwe nenzeʋe dzako ɀose ɀandinokuʋudza pamsoro pemitemo yose yeimba yaJehova, nemirairo yayo yose; cerekedza ɀakanaka panopindwa napo paimba, napanoɓuɗiwa napo pose panɀimbo tȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, cherechedza zvakanaka, nyatsoteerera uye unzwisise zvinhu zvose zvandinokuudza maererano nemitemo yose yetemberi yaJehovha. Ucherechedze panopindwa napo mutemberi uye napanobudiwa napo panzvimbo tsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi ndokubva ati kwandiri, “Iwe mwanakomana womunhu pfundira mumwoyo mako ucherechedze nemeso ako unzwe nenzeve dzako zvose zvandichakutaurira zvinonangana nemirao yose yeTemberi yaTenzi nemirao yayo yose, uzvichengetedze mumwoyo mako kuti ndavanani vanobvumirwa kupinda pamusuo weTemberi uye kuti ndavanaani vasingabvumirwi muNzvimbo Inoera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, cherechedza zvakanaka, utarire nameso ako, unzwe nenzeve dzako zvose zvandinokuudza pamusoro pemitemo yose yeimba yaJehovha, nemirayiro yayo yose; cherechedza zvakanaka panopindwa napo paimba, napanobudiwa napo pose panzvimbo tsvene.
Shona 2009?
Jehovha akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, cherechedza zvakanaka, utarire nameso ako, unzwe nenzeve dzako zvose zvandinokuudza pamusoro pemitemo yose yeimba yaJehovha, nemirayiro yayo yose; cherechedza zvakanaka panopindwa napo paimba, napanobudiwa napo pose panzvimbo tsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, cherechedza zvakanaka, utarire nameso ako, unzwe nenzeve dzako zvose zvandinokuudza pamusoro pemitemo yose yeimba yaJehovha, nemirairo yayo yose; cherechedza zvakanaka panopindwa napo paimba, napanobudiwa napo pose panzvimbo tsvene.