Ezekiel 44:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iɀo ɀokupinza kwenyu ʋatorwa, ʋanemŋoyo isino‐kudziŋgiswa nenyama isino‐kudziŋgiswa, kuti ʋaʋe munɀimbo yaŋgu, mucimhura iyo imba yaŋgu, kana mucindiʋigira ɀokudya, namafuta neropa; ʋakaputsa suŋgano yaŋgu, ʋacinyanyisa ɀinonyaŋgadza ɀenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro pezvinonyangadza zvamakaita, makapinza vatorwa vasina kudzingiswa pamwoyo napanyama munzvimbo yangu tsvene, muchizvidza temberi yangu muchindipa zvokudya, mafuta neropa, uye makaputsa sungano yangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
zvokubvumira vatorwa, vanhu vane mwoyo nomuviri isina kudzingiswa kuti vave muNzvimbo yangu Inoera vachiin'oresa pamunopira kwandiri zvokudya zvangu namafuta neropa. Makatyora chitenderano changu pamusoro pezvounyangadzi hwenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
izvo zvokupinza kwenyu vatorwa, vane mwoyo isina kudzingiswa nenyama isina kudzingiswa, kuti vave munzvimbo yangu, muchimhura iyo imba yangu, kana muchindivigira zvokudya, namafuta neropa; vakaputsa sungano yangu, vachinyanyisa zvinonyangadza zvenyu.
Shona 2009?
izvo zvokupinza kwenyu vatorwa, vane moyo isina kudzingiswa nenyama isina kudzingiswa, kuti vave munzvimbo yangu, muchimhura iyo imba yangu, kana muchindivigira zvokudya, namafuta neropa; vakaputsa sungano yangu, vachinyanyisa zvinonyangadza zvenyu.
Shona SUB 2002 Bible
izvo zvokupinza kwenyu vatorwa, vane mwoyo isina kudzingiswa nenyama isina kudzingiswa, kuti vave munzvimbo yangu, muchimhura iyo imba yangu, kana muchindivigira zvokudya, namafuta neropa; vakaputsa sungano yangu, vachinyanyisa zvinonyangadza zvenyu.