Ezekiel 44:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naShe Jehova: Mutorwa unomŋoyo usino‐kudziŋgiswa nenyama isino‐kudziŋgiswa ŋgaarege kupinda munɀimbo yaŋgu tȿene, aninani waʋatorwa ʋari pakati paʋana ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naIshe Jehovha: Hakuna mutorwa asina kudzingiswa pamwoyo napanyama angapinde munzvimbo yangu tsvene, kunyange vatorwa zvavo vagere pakati pavaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari hapana mutorwa asina kudzingiswa mumwoyo kana pamuviri wake, pavatorwa vose zvavo vari pakati pavaIsiraeri anobvumirwa kupinda muNzvimbo yangu Inoera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Mutorwa unomwoyo usinokudzingiswa nenyama isina kudzingiswa ngaarege kupinda munzvimbo yangu tsvene, Ani naani wavatorwa vari pakati pavana vaIsiraeri.’ ”
Shona 2009?
"Zvanzi naIshe Jehovha, `Mutorwa unomoyo usinokudzingiswa nenyama isina kudzingiswa ngaarege kupinda munzvimbo yangu tsvene, Ani naani wavatorwa vari pakati pavana vaIsiraeri.' "
Shona SUB 2002 Bible
“Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Mutorwa uno mwoyo usino kudzingiswa nenyama isina kudzingiswa ngaarege kupinda munzvimbo yangu tsvene, Ani naani wavatorwa vari pakati pavana VaIsiraeri.’ ”