Ezekiel 45:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋuye gwaiana rimŋe paɓoka ramakwai anamazana maʋiri, ari pamafuro akanatso‐ɗiridzwa aʋaIsraeri; ɀiʋe cipiriso coʋupfu, necipiriso cinopiswa, necipiriso cokuyananisa, kuʋayananisira — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyewo gwai rimwe chete rinofanira kutorwa kubva paboka rimwe nerimwe ramazana maviri achibva kumafuro akanyatsodiridzwa aIsraeri. Izvi zvichashandiswa pazvipiriso zvezviyo, nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana kuti zviyananisire vanhu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kubva mumhuri dzavaIsiraeri, padanga roga roga remazana maviri ehwai ngapabviswe hwai imwechete. “Iyoyi ndiyo mipiro yekoroni, nemipiro yokupisa, nemipiro yokuwadzana iri mipiro yokupfupira zvitadzo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uye gwayana rimwe paboka ramakwai ana mazana maviri, ari pamafuro akanatsodiridzwa avaIsiraeri; zvive chipiriso choupfu, nechipiriso chinopiswa, nechipiriso chokuyananisa, kuvayananisira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona 2009?
uye gwayana rimwe paboka ramakwai ana mazana maviri, ari pamafuro akanyatsodiridzwa avaIsiraeri; zvive chipiriso choupfu, nechipiriso chinopiswa, nechipiriso chokuyananisa, kuvayananisira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
uye gwayana rimwe paboka ramakwai ana mazana maviri, ari pamafuro akanatsodiridzwa aVaIsiraeri; zvive chipiriso choupfu, nechipiriso chinopiswa, nechipiriso chokuyananisa, kuvayananisira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.