Ezekiel 45:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mugoʋe womucinda unofanira kuʋa kurutiʋi rumŋe nokunorumŋe rutiʋi rwecipo citȿene, nokwenhaka iri muguta, pamberi pecipo citȿene, napamberi penhaka iri muguta, kurutiʋi rwamaʋirazuʋa ɀicienda kumaʋirazuʋa, nokurutiʋi rwamabvazuʋa ɀicienda kumabvazuʋa; pakureɓa unofanira kuenzana nomugoʋe mumŋe, kubva kumuganho wokumaʋirazuʋa kuȿikira kumuganho wokumabvazuʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Muchinda achapiwa nyika inoganhurana nedunhu dzvene kuno rumwe rutivi uye inoganhurana nomugove weguta. Kurutivi rwokumavirazuva zvichienda kumavirazuva, nokurutivi rwokumabvazuva zvichienda kumabvazuva, pakureba inofanira kuenzana nomugove mumwe chete kubva kumuganhu wokumavirazuva kusvika kumuganhu wokumabvazuva, zvichienderana nomumwe wemigove yedzimba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nyika iri kumativi maviri ose edunhu rinoera ichange iri yashe pamwechete nezvinhu zveguta iroro zvichitevedza dunhu rinoera nezvinhuwo zveguta iroro kumadokero nokumabvazuva zvakangoreba zvakaenzana nedunhu rerimwe ramadzinza zvichienda zvakadaro kubvira kumuganhu wokumadokera kudzamarara kumuganhu wokumabvazuva wenyika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mugove womuchinda unofanira kuva kurutivi rumwe nokuno rumwe rutivi rwechipo chitsvene, nokwenhaka iri muguta, pamberi pechipo chitsvene, napamberi penhaka iri muguta, kurutivi rwamavirazuva zvichienda kumavirazuva, nokurutivi rwamabvazuva zvichienda kumabvazuva; pakureba unofanira kuenzana nomugove mumwe, kubva kumuganho wokumavirazuva kusvikira kumaganho wokumabvazuva.
Shona 2009?
Mugove womuchinda unofanira kuva kurutivi rumwe nokuno rumwe rutivi rwechipo chitsvene, nokwenhaka iri muguta, pamberi pechipo chitsvene, napamberi penhaka iri muguta, kurutivi rwamavirazuva zvichienda kumavirazuva, nokurutivi rwamabvazuva zvichienda kumabvazuva; pakureba unofanira kuenzana nomugove mumwe, kubva kumuganhu wokumavirazuva kusvikira kumuganhu wokumabvazuva.
Shona SUB 2002 Bible