Ezekiel 45:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naShe Jehova: Ciriŋganiswai naɀo, imi macinda aIsraeri; bvisai kuita nesimba nokupamba, toŋgai ɀakarurama neɀakatendeka; bvisai kumanikidza kwenyu pakati paʋanhu ʋaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Makabvira kure kwazvo, imi imba yaIsraeri! Siyai kuita nechisimba kwenyu nokumanikidza kwenyu mugoita zvakanaka nezvakarurama. Regai kupamba vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi Mwari, “Zvakwana, imi madzishe eIsiraeri. Kandai pasi utsinye noudzvinyiriri mutonge vanhu noruenzaniso nourarami. Zvokudzinga vanhu vangu izvi ngazvipere, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naIshe Jehovha, “Chiringaniswai nazvo, imi machinda aIsiraeri; bvisai kuita nesimba nokupamba, tongai zvakarurama nezvakatendeka; bvisai kumanikidza kwenyu pakati pavanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona 2009?
Zvanzi naIshe Jehovha, "Chiringaniswai nazvo, imwi machinda aIsiraeri; bvisai kuita nesimba nokupamba, tongai zvakarurama nezvakatendeka; bvisai kumanikidza kwenyu pakati pavanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naIshe Jehovha, “Chiringaniswai nazvo, imi machinda aIsiraeri; bvisai kuita nesimba nokupamba, tongai zvakarurama nezvakatendeka; bvisai kumanikidza kwenyu pakati pavanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.