Ezekiel 46:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mucinda acigadzira cipiriso cokuŋgopa nokuɀiɗira, kana cipiriso cinopiswa, kana ɀipiriso ɀokuyananisa, ciʋe cipiriso cokuŋgopa Jehova nokuɀiɗira, mumŋe unofanira kumuzarurira suʋo rakatarira kurutiʋi rwamabvazuʋa; unofanira kugadzira cipiriso cake cinopiswa neɀipiriso ɀake ɀokuyananisa, seɀaanoita nomusi wesaɓata; ipapo unofanira kuɓuɗa; kana aɓuɗa mumŋe unofanira kupfiga suʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana muchinda achipa chipiriso chokungopa kuna Jehovha, chingava chipiriso chinopiswa kana chokuwadzana, suo rakatarisa kumabvazuva rinofanira kumuzarurirwa iye. Achapa chipiriso chake chinopiswa kana chipiriso chokuwadzana sezvaanoita nomusi weSabata. Ipapo anofanira kuzobuda kunze, uye shure kwokubuda kwake, suo richapfigwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ishe paanoona kuti pave nomupiro wokupa nechido, ungave mupiro wokupisa kana mipiro yokuwadzana somupiro wokupa nechido kuna Tenzi, Suo Guru rakatarisa kumabvazuva acharizarurirwa. Ipapo anofanira kupira mipiro yake yokupisa kana mupiro wake wokuwadzana sezvaanoita musi weSabata. Ndipo paanozobuda, kana aenda Suo Guru robva razarirwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana muchinda achigadzira chipiriso chokungopa nokuzvidira, kana chipiriso chinopiswa, kana zvipiriso zvokuyananisa, chive chipiriso chokungopa Jehovha nokuzvidira, mumwe anofanira kumuzarurira suo rakatarira kurutivi rwamabvazuva; anofanira kugadzira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, sezvaanoita nomusi weSabata; ipapo anofanira kubuda; kana abuda mumwe anofanira kupfiga suo.”
Shona 2009?
"Kana muchinda achigadzira chipiriso chokungopa nokuzvidira, kana chipiriso chinopiswa, kana zvipiriso zvokuyananisa, chive chipiriso chokungopa Jehovha nokuzvidira, mumwe anofanira kumuzarurira suo rakatarira kurutivi rwamabvazuva; anofanira kugadzira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, sezvaanoita nomusi weSabata, ipapo anofanira kubuda; kana abuda mumwe anofanira kupfiga suo."
Shona SUB 2002 Bible
“Kana muchinda achigadzira chipiriso chokungopa nokuzvidira, kana chipiriso chinopiswa, kana zvipiriso zvokuyananisa, chive chipiriso chokungopa Jehovha nokuzvidira, mumwe anofanira kumuzarurira suwo rakatarira kurutivi rwamabvazuva; anofanira kugadzira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, sezvaanoita nomusi weSabata; ipapo anofanira kubuda; kana abuda mumwe anofanira kupfiga suwo.”