Ezekiel 46:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kugadzira ʋo zuʋa rimŋe nerimŋe gwaiana regore rimŋe risinemhoȿa, ciʋe cipiriso cinopisirwa Jehova; unofanira kurigadzira maŋgwanani ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Zuva rimwe nerimwe unofanira kupa gwayana rine gore rimwe chete risina kuremara kuti rive chipiriso chinopiswa kuna Jehovha; mangwanani oga oga unofanira kuuya naro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Anofanira kuita kuti pave nehwayana ine gore rimwechete isina chinoshoreka yomupiro wokupisira kuna Tenzi zuva nezuva. Ngaaitewo kuti uvepo mangwanani oga oga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Anofanira kugadzirawo zuva rimwe nerimwe gwayana regore rimwe risina mhosva, chive chipiriso chinopiswa Jehovha; anofanira kurigadzira mangwanani ose.
Shona 2009?
"Anofanira kugadzirawo zuva rimwe nerimwe gwayana regore rimwe risina mhosva, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha; anofanira kurigadzira mangwanani ose.
Shona SUB 2002 Bible
“Anofanira kugadzirawo zuva rimwe nerimwe gwayana regore rimwe risina mhosva, chive chipiriso chinopiswa Jehovha; anofanira kurigadzira mangwanani ose.