Ezekiel 46:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pamŋe cete naro unofanira kugadzira maŋgwanani ose cipiriso coʋupfu, cinoti mugoʋe wecitanhatu weefa, nomugoʋe wecitatu wehini yamafuta kunyoroʋesa nawo ʋupfu bgakatsetseka; ciʋe cipiriso coʋupfu kunaJehova ŋguʋa dzose nomutemo usiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Unofanira kuuyawo nechipiriso chezviyo chine mugove wechitanhatu weefa, nechetatu chehini yamafuta okunyorovesa upfu, mangwanani oga oga. Kupiwa kwechipiriso ichi kuna Jehovha, mutemo unogara nokusingaperi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Anosungirwa kuita kuti pave nomupiro wembesanwa pamwechete nawo mangwanani oga oga, hupfu hunokaroita marita mana uye mafuta eorivhi anokaroita marita maviri okunyava upfu hwacho hwekoroni somupiro wembesanwa wokupira kuna Tenzi. Iwoyu ndiwo murao womupiro wokupisa unoramba uchiitwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pamwechete naro anofanira kugadzira mangwanani ose chipiriso choupfu, chinoti mugove wechitanhatu weefa, nomugove wechitatu wehini yamafuta kunyorovesa nawo upfu hwakatsetseka; chive chipiriso choupfu kuna Jehovha nguva dzose nomutemo usingaperi.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible