Ezekiel 46:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naShe Jehova: Kana mucinda akapa mumŋe waʋanakomana ʋake cipo, yaʋa nhaka yake, cicaʋa caʋanakomana ʋake; caʋa caʋo nokugara nhaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muchinda achipa chipo chinobva panhaka yake kuno mumwe wavanakomana vake, chichavawo chezvizvarwa zvake zvinotevera, chichava chavo chenhaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi Mwari, “Kana ishe akapa chipo kumwanakomana wake upi zvake chinobva panhaka yake chichava chavanakomana vake. Inhaka yavo yavakaita zvokusiyirwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naIshe Jehovha, “Kana muchinda akapa mumwe wavanakomana vake chipo, yava nhaka yake, chichava chavanakomana vake; chava chavo nokugara nhaka.
Shona 2009?
Zvanzi naIshe Jehovha, "Kana muchinda akapa mumwe wavanakomana vake chipo, yava nhaka yake, chichava chavanakomana vake; chava chavo nokugara nhaka.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naIshe Jehovha, “Kana muchinda akapa mumwe wavanakomana vake chipo, yava nhaka yake, chichava chavanakomana vake; chava chavo nokugara nhaka.