Ezekiel 46:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye mucinda haafaniri kutorera ʋanhu nhaka yaʋo, kuti aʋadziŋge panyika yaʋo; unofanira kupa ʋanakomana ʋake nhaka inobva paneɀake, kuti ʋanhu ʋaŋgu ʋarege kuparadzirwa mumŋe nomumŋe abve paneɀake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muchinda haafaniri kutora nhaka ipi zvayo yavanhu, achivadzinga pazvinhu zvavo. Iye anofanira kupa vanakomana vake nhaka yavo inobva pane zvake, kuitira kuti vanhu vangu varege kuparadzaniswa nezvinhu zvavo.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ishe haafaniri kutora kai zvako kenhaka yavanhu ivava achivadzinga panyika yavo. Anosungirwa kupa vanakomana vake nhaka yavo yaanoita zvokubvisa pazvinhu zvake iye pachake kuitira kuti parege kuva kana nomumwe wavanhu vangu anozotorerwa zvinhu zvake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye muchinda haafaniri kutorera vanhu nhaka yavo, kuti avadzinge panyika yavo; anofanira kupa vanakomana vake nhaka inobva pane zvake, kuti vanhu vangu varege kuparadzirwa mumwe nomumwe abve pane zvake.”
Shona 2009?
Uye muchinda haafaniri kutorera vanhu nhaka yavo, kuti avadzinge panyika yavo; anofanira kupa vanakomana vake nhaka inobva pane zvake, kuti vanhu vangu varege kuparadzirwa mumwe nomumwe abve pane zvake."
Shona SUB 2002 Bible
Uye muchinda haafaniri kutorera vanhu nhaka yavo, kuti avadzinge panyika yavo; anofanira kupa vanakomana vake nhaka inobva pane zvake, kuti vanhu vangu varege kuparadzirwa mumwe nomumwe abve pane zvake.”