Ezekiel 46:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakapinda neni napamukoʋa, wakaŋga uri parutiʋi rwesuʋo, mumakamuri matȿene aʋaprista, akatarira kurutiʋi rwokumsoro; ɀino tarira, kwakaŋga kunenɀimbo necemberi kurutiʋi rwamaʋirazuʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo murume uyu akandipinza napamukova uri parutivi pesuo rinoenda kumakamuri matsvene akatarisa kumusoro, akanga ari avaprista akandiratidza nzvimbo yakanga iri nechokumagumo kworutivi rwokumavirira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazondiunza napamusuo waiva padivi peSuo Guru kumutsara wokuchamhembe wedzimba dzinoera dzavapristi. Ipapo ndakaona imwe nzvimbo kumucheto kwadzo kwokupedzisira chaiko kumadokero.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akapinda neni napamukova, akanga ari parutivi rwesuo, mumakamuri matsvene avapristi, akatarira kurutivi rwokumusoro; zvino tarira, kwakanga kune nzvimbo nechemberi kurutivi rwamavirazuva.
Shona 2009?
Zvino akapinda neni napamukova, akanga ari parutivi rwesuo, mumakamuri matsvene avaprista, akatarira kurutivi rwokumusoro; zvino tarira, kwakanga kune nzvimbo nechemberi kurutivi rwamavirazuva.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akapinda neni napamukova, akanga ari parutivi rwesuwo, mumakamuri matsvene avapristi, akatarira kurutivi rwokumusoro; zvino tarira, kwakanga kune nzvimbo nechemberi kurutivi rwamavirazuva.