Ezekiel 46:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mucinda unofanira kupinda napanzira yeɓiraʋira resuʋo rokunze, ndokumira pambiru yesuʋo; ɀino ʋaprista ʋanofanira kumugadzirira cipiriso cake cinopiswa neɀipiriso ɀake ɀokuyananisa, iye agonamata pacikumbaridzo cesuʋo; ipapo unofanira kuɓuɗa; asi suʋo harifaniri kupfigwa kuȿikira maɗekwana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muchinda anobva kunze anofanira kupinda napabiravira rapasuo agomira pambiru dzapasuo. Vaprista vanofanira kubayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chake chokuwadzana. Anofanira kunamata ari pachikumbaridzo chepasuo ipapo agobuda kunze, asi harifaniri kuzopfigwa kusvikira madekwana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ishe anosungirwa kupinda nokukamba kapaSuo Guru ari nechokunze omira panzvimbo pake amire nebango repaSuo Guru iroro. Vapristi vanosungirwa kupira mupiro wake wokupisa nomupiro wake wokuwadzana agopfugama ari kumusuo kweSuo Guru iroro. Anofanira kuzobuda asi Suo Guru racho harifaniri kuzarirwa kusvikira mumanheru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muchinda anofanira kupinda napanzira yebiravira resuo rokunze, ndokumira pambiru yesuo; zvino vapristi vanofanira kumugadzirira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, iye agonamata pachikumbaridzo chesuo; ipapo anofanira kubuda; asi suo harifaniri kupfigwa kusvikira madekwana.
Shona 2009?
Muchinda anofanira kupinda napanzira yebiravira resuo rokunze, ndokumira pambiru yesuo; zvino vaprista vanofanira kumugadzirira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, iye agonamata pachikumbaridzo chesuo; ipapo anofanira kubuda; asi suo harifaniri kupfigwa kusvikira madekwana.
Shona SUB 2002 Bible
Muchinda anofanira kupinda napanzira yebiravira resuwo rokunze, ndokumira pambiru yesuwo; zvino vapristi vanofanira kumugadzirira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, iye agonamata pachikumbaridzo chesuwo; ipapo anofanira kubuda; asi suwo harifaniri kupfigwa kusvikira madekwana.