Ezekiel 46:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwandiri: Iyi ndiyo nɀimbo panofanira kuɓika ʋaprista cipiriso cemhoȿa necipiriso ceɀiʋi, ʋuye paʋanofanira kuɓika cipiriso coʋupfu; kuti ʋarege kuɓuɗa naɀo kuruʋazhe rwokunze, kuzonatsa ʋanhu naɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kwandiri, “Iyi ndiyo nzvimbo ichabikirwa navaprista, chipiriso chemhosva nechipiriso chechivi nokubika chipiriso chezviyo, kuti varege kuzviuyisa kuruvazhe rwokunze zvaizoita kuti vanhu vanatswe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akabva anditi, “Iyoyi ndiyo nzvimbo inofanira kubikwa chibayiro chokuripira mhosva nomupiro wokupirira zvitadzo uye ndipo pavanosungirwa kubikira mupiro woupfu hwembesanwa kuitira kuti varege kuiburitsa kunhandare yokunze vangadaro vakaitisa vanhu zvinhu zvinoera.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwandiri, “Iyi ndiyo nzvimbo panofanira kubika vapristi chipiriso chemhosva nechipiriso chezvivi, uye pavanofanira kubika chipiriso choupfu; kuti varege kubuda nazvo kuruvanze rwokunze, kuzonatsa vanhu nazvo.”
Shona 2009?
Akati kwandiri, "Iyi ndiyo nzvimbo panofanira kubika vaprista chipiriso chemhosva nechipiriso chezvivi, uye pavanofanira kubika chipiriso choupfu; kuti varege kubuda nazvo kuruvanze rwokunze, kuzonatsa vanhu nazvo."
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwandiri, “Iyi ndiyo nzvimbo panofanira kubika vapristi chipiriso chemhosva nechipiriso chezvivi, uye pavanofanira kubika chipiriso choupfu; kuti varege kubuda nazvo kuruvanze rwokunze, kuzonatsa vanhu nazvo.”