Ezekiel 46:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana ʋanhu ʋenyika ʋaciʋuya pamberi paJehova pamitambo yakatarwa, unopinda nenzira yesuʋo rokurutiʋi rwokumsoro kuzonamata, unofanira kuɓuɗa nenzira yesuʋo rokurutiʋi rwezasi; unopinda napanzira yesuʋo rokurutiʋi rwezasi, unofanira kuɓuɗa nenzira yesuʋo rokurutiʋi rwokumsoro; haafaniri kudzoka nenzira yaakaʋuya nayo, asi unofanira kufamba akatarira mberi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Vanhu venyika pavanouya pamberi paJehovha panguva yemitambo yakatarwa, ani naani anopinda napasuo rokumusoro kundonamata anofanira kubuda nokusuo rezasi; uye ani naani anopinda nesuo rezasi anofanira kubuda nesuo rokumusoro. Hakuna munhu anotenderwa kudzoka nesuo raambopinda naro, asi mumwe nomumwe anofanira kubuda neimwe nzira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Panouya vanhu venyika iyoyo pana Tenzi, pamazuva makuru akatemwa, anenge apinda nokuSuo Guru rokuchamhembe kuzonamata anosungirwa kubuda neSuo Guru rokumaodzanyemba. Anenge apindawo nokuSuo Guru rokumaodzanyemba ngaandobuda neSuo Guru rokuchamhembe. Hakuna anofanira kudzoka nokuSuo Guru kwaanenge ambopinda nako asi kutoti munhu ose anofanira kuramba achingoenda chete mberi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi kana vanhu venyika vachiuya pamberi paJehovha pamitambo yakatarwa, anopinda nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro kuzonamata, anofanira kubuda nenzira yesuo rokurutivi rwezasi; anopinda napanzira yesuo rokurutivi rwezasi, anofanira kubuda nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro; haafaniri kudzoka nenzira yaakauya nayo, asi anofanira kufamba akatarira mberi.
Shona 2009?
"Asi kana vanhu venyika vachiuya pamberi paJehovha pamitambo yakatarwa, anopinda nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro kuzonamata, anofanira kubuda nenzira yesuo rokurutivi rwezasi; anopinda napanzira yesuo rokurutivi rwezasi, anofanira kubuda nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro; haafaniri kudzoka nenzira yaakauya nayo, asi anofanira kufamba akatarira mberi.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi kana vanhu venyika vachiuya pamberi paJehovha pamitambo yakatarwa, anopinda nenzira yesuwo rokurutivi rwokumusoro kuzonamata, anofanira kubuda nenzira yesuwo rokurutivi rwezasi; anopinda napanzira yesuwo rokurutivi rwezasi, anofanira kubuda nenzira yesuwo rokurutivi rwokumusoro; haafaniri kudzoka nenzira yaakauya nayo, asi anofanira kufamba akatarira mberi.