Ezekiel 47:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakandidzosera kumukoʋa weimba, ndikaʋona mvura zhinji iciɓuɗa pasi pecikumbaridzo ceimba kurutiʋi rwamabvazuʋa, nokuti imba yakaŋga yakatarira kurutiʋi rwamabvazuʋa necemberi kwayo; mvura yakayerera icibva necapasi, kurutiʋi rworudyi rweimba, kurutiʋi rwezasi rweartari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murume uyu akandidzosa pamukova wetemberi, ndikaona mvura yaibuda napasi pechikumbaridzo chetemberi kwakatarisa kumabvazuva, nokuti temberi yakanga yakatarira kumabvazuva. Mvura yakanga ichiyerera napasi nechezasi kwetemberi, nyasi kwearitari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazodzokera neni kumusuo weTemberi, onei mvura ichibuda pazasi pomusuo weTemberi yakananga kumabvazuva (nokuti Temberi yakanga yakatarisa kumabvazuva.) Zvino mvura iyoyo yaiyerera pasi ichibva nechapazasi pamucheto pakadziva kumaodzanyemba kwomusuo weTemberi, nechokumaodzanyemba kweatari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akandidzosera kumukova weimba, ndikaona mvura zhinji ichibuda pasi pechikumbaridzo cheimba kurutivi rwamabvazuva, nokuti imba yakanga yakatarira kurutivi rwamabvazuva nechemberi kwayo; mvura yakayerera ichibva nechapasi, kurutivi rworudyi rweimba, kurutivi rwezasi rwearitari.
Shona 2009?
Zvino akandidzosera kumukova weimba, ndikaona mvura zhinji ichibuda pasi pechikumbaridzo cheimba kurutivi rwamabvazuva, nokuti imba yakanga yakatarira kurutivi rwamabvazuva nechemberi kwayo; mvura yakayerera ichibva nechapasi, kurutivi rworudyi rweimba, kurutivi rwezasi rwearitari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akandidzosera kumukova weimba, ndikaona mvura zhinji ichibuda pasi pechikumbaridzo cheimba kurutivi rwamabvazuva, nokuti imba yakanga yakatarira kurutivi rwamabvazuva nechemberi kwayo; mvura yakayerera ichibva nechapasi, kurutivi rworudyi rweimba, kurutivi rwezasi rweatari.