Ezekiel 47:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Parwizi, pamhenderekedzo dzarwo, ʋuno nemhiri, pacamera miti yamarudzi ose inodyiwa, isiŋgawomi mashizha ayo, ʋuye isiŋgashaiwi ɀiɓereko ɀayo; icaɓereka ɀiɓereko ɀitȿa mŋedzi mumŋe nomumŋe, nokuti mvura yarwo inoɓuɗa panɀimbo tȿene; ɀiɓereko ɀayo ɀicaʋa ɀokudya, namazhizha ayo acaporesa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Miti yemichero yemarudzi ose ichamera kumativi ose emahombekombe orwizi. Mashizha ayo haangasvavi, uye haingashayi michero. Ichabereka zvibereko mwedzi woga woga, nokuti mvura inobva panzvimbo tsvene inoyerera madziri. Michero yayo ichava zvokudya zvavanhu uye mashizha ayo achaporesa vanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumahombekombe kumativi erwizi rwacho ose ari maviri kuchamera miti yamarudzi ose yemichero. Mashizha ayo haazosvava kana michero yayo kukuva. Asi kutoti ichabereka michero mitsva mwedzi nomwedzi nokuti mvura yayo inoyerera ichibva muNzvimbo Inoera. Michero yayo ichava chokudya, mashizha ayo ari mushonga wokurapisa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Parwizi, pamhenderekedzo dzarwo, uno nemhiri, pachamera miti yamarudzi ose inodyiwa, isingaomi mashizha ayo, uye isingashaiwi zvibereko zvayo; ichabereka zvibereko zvitsva mwedzi mumwe nomumwe, nokuti mvura yarwo inobuda panzvimbo tsvene; michero yayo ichava zvokudya, namazhizha ayo achaporesa.”
Shona 2009?
Parwizi, pamhenderekedzo dzarwo, kuno nemhiri, pachamera miti yamarudzi ose inodyiwa, isingaomi mashizha ayo, uye isingashaiwi' zvibereko zvayo; ichabereka zvibereko zvitsva mwedzi mumwe nomumwe, nokuti mvura yarwo inobuda panzvimbo tsvene; michero yayo ichava zvokudya, namashizha ayo achaporesa."
Shona SUB 2002 Bible
Parwizi, pamhenderekedzo dzarwo, uno nemhiri, pachamera miti yamarudzi ose inodyiwa, isingaomi mashizha ayo, uye isingashaiwi zvibereko zvayo; ichabereka zvibereko zvitsva mwedzi mumwe nomumwe, nokuti mvura yarwo inobuda panzvimbo tsvene; michero yayo ichava zvokudya, namazhizha ayo achaporesa.”