Ezekiel 47:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kurutiʋi rwamabvazuʋa pakati peHaurani neDamasko neGireadi nenyika yaIsraeri, muganho unofanira kuʋa Joridani; munofanira kuyera kubva kumuganho wokumsoro kuȿikira kuguŋgwa rokumabvazuʋa. Ndirwo rutiʋi rwamabvazuʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kurutivi rwokumabvazuva muganhu uchava pakati peHaurani neDhamasiko, uchitevedza Jorodhani pakati peGireadhi nenyika yeIsraeri, kusvikira kugungwa rokumabvazuva uye uchindosvika kuTamari. Ndiwo uchava muganhu wokumabvazuva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kudivi rokumabvazuva, muganhu wacho uchadimura napakati peHaurani neDhamasikusi uchitevedza rwizi rwaJorodhani pakati peGireadhi nenyika yeIsiraeri kusvikira kuGungwa roKumabvazuva kusvikira kuTamari. Ndouchava muganhu wokumabvazuva iwoyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kurutivi rwamabvazuva pakati peHaurani neDhamasiko neGireadhi nenyika yaIsiraeri, muganho unofanira kuva Jorodhani; munofanira kuyera kubva kumuganho wokumusoro kusvikira kugungwa rokumabvazuva. Ndirwo rutivi rwamabvazuva.
Shona 2009?
Kurutivi rwamabvazuva pakati peHaurani neDhamasiko nenyika yalsiraeri, muganhu unofanira kuva Jorodhani; munofanira kuyera kubva kumuganhu wokumusoro kusvikira kugungwa rokumabvazuva. Ndirwo rutivi rwamabvazuva.
Shona SUB 2002 Bible
Kurutivi rwamabvazuva pakati peHaurani neDhamasikosi neGireadhi nenyika yaIsiraeri, muganho unofanira kuva Jodhani; munofanira kuyera kubva kumuganho wokumusoro kusvikira kugungwa rokumabvazuva. Ndirwo rutivi rwamabvazuva.