Ezekiel 47:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akandiɓuɗisa nenzira yesuʋo rokurutiʋi rwokumsoro, akapota neni nenzira yokunze kuȿikira kusuʋo rokunze, nenzira ye suʋo rakaŋga rakatarira kurutiʋi rwezasi; ɀino tarira, mvura zhinji yakaŋga iciɓuɗa kurutiʋi rworudyi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akandibudisa nokusuo rokumusoro akanditungamirira pakupoterera nechokunze kwesuo rokunze rakatarisana nokumabvazuva, uye mvura yaiyerera ichibva kurutivi rwezasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazondiburitsa kunze nokuSuo Guru rokuchamhembe akatenderera neni kunze ikoko kuSuo Guru rokunze rakatarisa kumabvazuva. Mvura yaibuda kudivi rokumaodzanyemba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akandibudisa nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro, akapota neni nenzira yokunze kusvikira kusuo rokunze, nenzira yesuo rakanga rakatarira kurutivi rwezasi; zvino tarira, mvura zhinji yakanga ichibuda kurutivi rworudyi.
Shona 2009?
Zvino akandibudisa nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro, akapota neni nenzira yokunze kusvikira kusuo rokunze, nenzira yesuo rakanga rakatarira kurutivi rwezasi; zvino tarira, mvura zhinji yakanga ichibuda kurutivi rworudyi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akandibudisa nenzira yesuwo rokurutivi rwokumusoro, akapota neni nenzira yokunze kusvikira kusuwo rokunze, nenzira yesuwo rakanga rakatarira kurutivi rwezasi; zvino tarira, mvura zhinji yakanga ichibuda kurutivi rworudyi.