Ezekiel 47:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munofanira kuiganhura nemijenya, iʋe nhaka yenyu neyaʋatorwa ʋagere pakati penyu, ʋanozoɓereka ʋana pakati penyu; iʋo ʋanofanira kuʋa kwamuri saʋakaɓerekerwa pakati paIsraeri; ʋanofanira kugara nhaka pamŋe cete nemi pakati pamarudzi aIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Munofanira kugovana senhaka yenyu uye mugogoverawo vatorwa vagere pakati penyu vane vana. Munofanira kuvarangarira savaIsraeri vakaberekwa munyika ino; vanofanira kugoverwa nhaka pamwe chete nemi pakati pamarudzi aIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munofanira kuigova senhaka yenyu iyemi navatorwa vagere mamuri vakatoberekawo vana pakati penyu. Kwamuri imi vachange vakangoita savana vevhu vomuIsiraeri. Vanofanira kugoverwa pamwechete nemi mugove wenhaka pakati pemadzinza eIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munofanira kuiganhura nemijenya, ive nhaka yenyu neyavatorwa vagere pakati penyu, vanozobereka vana pakati penyu; ivo vanofanira kuva kwamuri savakaberekwa pakati paIsiraeri; vanofanira kugara nhaka pamwechete nemi pakati pamarudzi aIsiraeri.
Shona 2009?
Munofanira kuiganhura nemijenya, ive nhaka yenyu neyavatorwa vagere pakati penyu, vanozobereka vana pakati penyu; ivo vanofanira kuva kwamuri savakaberekwa pakati paIsiraeri; vanofanira kugara nhaka pamwechete nemwi pakati pamarudzi alsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Munofanira kuiganhura nemijenya, ive nhaka yenyu neyavatorwa vagere pakati penyu, vanozobereka vana pakati penyu; ivo vanofanira kuva kwamuri savakaberekwa pakati paIsiraeri; vanofanira kugara nhaka pamwechete nemi pakati pamarudzi aIsiraeri.