Ezekiel 47:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino murume uyo wakati aciɓuɗira kurutiʋi rwamabvazuʋa anorwonzi muruʋoko rwake, akayera makubiti anecuru cimŋe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikaȿikira kuɀiziso ɀamakumbo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murume uyu akati achifamba akananga kurutivi rwokumabvazuva ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake, akayera makubhiti chiuru chimwe chetea ndokubva ipapo ondiyambutsa nomumvura yakanga yakadzika kusvika muzviziso zvamakumbo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akananga kumabvazuva aine tambo yokueresa mumaoko akabva aera panoita mazana mashanu amamita ndokubva afamba neni nomumvura imomo iyo yakanga ichinyudza zvokusvika muchiziso chegumbo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino murume uyo wakati achibudira kurutivi rwamabvazuva anorwonzi muruoko rwake, akayera mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuzviziso zvamakumbo.
Shona 2009?
Zvino murume uyo wakati achibudira kurutivi rwamabvazuva anorwonzi muruoko rwake, akayera mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuzviziso zvamakumbo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino murume uyo wakati achibudira kurutivi rwamabvazuva aine tambo yokuyeresa muruoko rwake, akayera mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuzviziso zvamakumbo.