Ezekiel 47:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ɀipenyu ɀose ɀinopfakanyika pose panoȿika nzizi idzi mbiri, ɀicararama; hoʋe zhinji kwaɀo dzicaʋa’po, nokuti mvura iyi yakaȿika’ko, mvura yose icaporeswa, ʋuye ɀose ɀicararama pose panoȿika rwizi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvose zvipenyu zvinokambaira zvichagara kwose nokunoyerera rwizi. Pachava nehove zhinji zhinji, nokuti mvura iyi inoyereramo ichiita kuti mvura yomunyu inatswe; saka kwose kunoyerera rwizi zvinhu zvose zvinorarama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwose kunoyerera rwizi irworwo, zvipenyu zvose zvinoshambira zvichararama. Imomo muchava nehove dzakawanda nokuti mvura iyoyi inoenda imomo kundoita kuti mvura yegungwa inake. Ipapo zvinhu zvose zvichararama kwose kunosvika rwizi urwu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino zvipenyu zvose zvinopfakanyika pose panosvika nzizi idzi mbiri, zvichararama; hove zhinji kwazvo dzichavapo, nokuti mvura iyi yakasvikako, mvura yose ichaporeswa, uye zvose zvichararama pose panosvika rwizi.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible