Ezekiel 48:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino awa ndiwo mazita amarudzi: Kurutiʋi rwokumsoro, ɀicienda nenzira yeHetroni kuȿikira paʋanopinda ʋacienda Hamati neHazari‐enani pamuganho weDamasko, ɀicienda kurutiʋi rwokumsoro napaHamati (matiʋi aʋo anofanira kuenda kumabvazuʋa nokumaʋirazuʋa), ndiwo mugoʋe mumŋe waDani.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Aya ndiwo marudzi akanyorwa, namazita awo: kurutivi rwokumuganhu wokumusoro, Dhani achava nomugove mumwe chete; uchange uchitevedza mugwagwa weHetironi kusvika kuRebho Hamati; Hazari Enani nomuganhu wokumusoro kweDhamasiko, pedyo neHamati, zvichava chikamu chomuganhu wavo unobva kurutivi rwokumabvazuva kusvikira kurutivi rwokumavirira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Aya ndiwo madzinza acho tichibvira kumuganho wokuchamhembe, kubva kugungwa tichienda nokuHetironi woenda nokwokunge tavakupinda muHamati kundosvika Hazarenoni (guta riri kumuganhu wokuchamhembe yeDhamasikusi kwakatarisana neHamati) ichibvira kumabvazuva ichienda kumadokero, dzinza rokwaDhani, mugove mumwechete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino awa ndiwo mazita amarudzi: Kurutivi rwokumusoro, zvichienda nenzira yeHetironi kusvikira pavanopinda vachienda Hamati neHazarienani pamuganho weDhamasiko, zvichienda kurutivi rwokumusoro napaHamati mativi avo anofanira kuenda kumabvazuva nokumavirazuva, ndiwo mugove mumwe waDhani.
Shona 2009?
Zvino awa ndiwo mazita amarudzi: Kurutivi rwokumusoro, zvichienda nenzira yeHetironi kusvikira pavanopinda vachienda Hamati neHazarienani pamuganhu weDhamasiko, zvichienda kurutivi rwokumusoro napaHamati mativi avo anofanira kuenda kumabvazuva nokumavirazuva, ndiwo mugove mumwe waDhani.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino awa ndiwo mazita amarudzi: Kurutivi rwokumusoro, zvichienda nenzira yeHetironi kusvikira pavanopinda vachienda Hamati neHazarienani pamuganho weDhamasikosi, zvichienda kurutivi rwokumusoro napaHamati mativi avo anofanira kuenda kumabvazuva nokumavirazuva, ndiwo mugove mumwe waDhani.