Ezekiel 48:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kukura kwayo kunofanira kuʋa kuɗai: Rutiʋi rwokumsoro, tsaŋga dzineɀuru ɀinna namazana mashanu, norutiʋi rwezasi ɀuru ɀinna namazana mashanu, nokurutiʋi rwamabvazuʋa ɀuru ɀinna namazana mashanu, norutiʋi rwamaʋirazuʋa ɀuru ɀinna namazana mashanu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye richava nezviyero izvi: kurutivi rwokumusoro makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu, kurutivi rwezasi makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu, kurutivi rwokumabvazuva, makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu, uye kurutivi rwokumavirira, makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino aya ndomakuriro aichange yakaita, kudivi rokuchamhembe kunoita makiromita maviri ana mamita mazana maviri namakumi mashanu. Kudivi rokumaodzanyemba kuchaitawo makiromita maviri ana mamita mazana maviri namakumi mashanu. Kudiviwo rokumabvamazuva kuchange kuchiita makiromita maviri ana mamita mazana maviri ana makumi mashanu, kudivi rokumavirira kuchiita makiromita maviri ane mamitawo mazana maviri ane makumiwo mashanu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kukura kwayo kunofanira kuva kudai: Rutivi rwokumusoro, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, norutivi rwezasi zviuru zvina namazana mashanu, nokurutivi rwamabvazuva zviuru zvina namazana mashanu, norutivi rwamavirazuva zviuru zvina namazana mashanu.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible