Ezekiel 48:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ʋo, kubva panyika yaʋaRevi, nokubva panɀimbo yeguta, iɀo ɀiri pakati penyika yomucinda, pakati pomuganho waJuda nomuganho waBenjamini, ɀinofanira kuʋa ɀomucinda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka nzvimbo yavaRevhi nenzvimbo yeguta zvichange zviri pakati penzvimbo yomuchinda. Nzvimbo yomuchinda ichange iri pakati pomuganhu weJudha nomuganhu waBhenjamini.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kubvisawo nyika yavaRevhi nenzvimbo yeguta racho zviri pakati penyika yomugove washe, zvimwe zvose izvi, zviri pakati pemiganhu yekwaJudha naBhenjamini ndezvashe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyewo, kubva panyika yavaRevhi, nokubva panzvimbo yeguta, izvo zviri pakati penyika yomuchinda, pakati pomuganho waJudha nomuganho waBhenjamini, zvinofanira kuva zvomuchinda.
Shona 2009?
Uyewo, kubva panyika yavaRevhi, nokubva panzvimbo yeguta, izvo zviri pakati penyika yomuchinda, pakati pomuganhu waJudha nomuganhu waBhenjamini, zvinofanira kuva zvomuchinda.
Shona SUB 2002 Bible
Uyewo, kubva panyika yavaRevhi, nokubva panzvimbo yeguta, izvo zviri pakati penyika yomuchinda, pakati pomuganho waJudha nomuganho waBhenjamini, zvinofanira kuva zvomuchinda.