Ezekiel 48:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pamuganho waGadi, kurutiʋi rwezasi, ɀicienda zasi, muganho unofanira kubva paTamari kuȿikira kumvura zhinji yeMeribati‐kadeshi, kurukoʋa rweEgipita, kuȿikira kuguŋgwa guru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Muganhu worutivi rwezasi waGadhi uchananga kurutivi rwezasi uchibva kuTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribha Kadheshi, ipapo wozotevedza Rukova rweIjipiti kusvikira kuGungwa Guru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muganhu wenyika yokwaGadhi nedivi rokuNegevhu, kumaodzanyemba, muganhu wokumaodzanyemba uchatangira kuTamari wonanga kumvura yokuMeribhakadheshi wobva waenda nokuKakova keIjipiti kundosvika kuGungwa Guru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pamuganho waGadhi, kurutivi rwezasi, zvichienda zasi, muganho unofanira kubva paTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribhatikadheshi, kurukova rweIjipiti, kusvikira kugungwa guru.
Shona 2009?
Pamuganhu waGadhi, kurutivi rwezasi, zvichienda zasi, muganhu unofanira kubva paTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribhatikadheshi, kurukova rweIjipiti, kusvikira kugungwa guru.
Shona SUB 2002 Bible
Pamuganho waGadhi, kurutivi rwezasi, zvichienda zasi, muganho unofanira kubva paTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribhatikadheshi, kurukova rweIjipiti, kusvikira kugungwa guru.