Ezekiel 48:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiyo nyika yamunofanira kuganhura nemijenya pakati pamarudzi aIsraeri iʋe nhaka yaʋo, ʋuye iyi ndiyo migoʋe yaʋo ʋose — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Iyi ndiyo nyika yaunofanira kugovera senhaka kumarudzi aIsraeri, uye iyi ndiyo ichava migove yavo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndiyo nyika yacho iyi yamuchagovera senhaka kumadzinza eIsiraeri. Iyoyi ndiyo migove yakasiyana-siyana yavo.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndiyo nyika yamunofanira kuganhura nemijenya pakati pamarudzi aIsiraeri ive nhaka yavo, uye iyi ndiyo migove yavo vose,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona 2009?
"Ndiyo nyika yamunofanira kuganhura nemijenya pakati pamarudzi aIsiraeri ive nhaka yavo, uye iyi ndiyo migove yavo vose," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndiyo nyika yamunofanira kuganhura nemijenya pakati pamarudzi aIsiraeri ive nhaka yavo, uye iyi ndiyo migove yavo vose,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.