Ezekiel 5:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cetatu cako cicafa nehosha yakaipa, ʋuye ʋacapedzwa nenzara mukati mako; cetatu cicaparadzwa nomunondo kumatiʋi ako, necimŋe cikamu cetatu ndicaciparadzira kumhepo dzose, nokuvomora munondo shure kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chikamu chetatu chavanhu vako vachafa nehosha kana kufa nenzara mukati mako; chimwe chikamu chetatu chichawa nokuda kwomunondo kunze kwamasvingo ako; uye chimwe chikamu chetatu ndichachiparadzira kumhepo zhinji ndigochitevera nomunondo wakavhomorwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chimwe chezvikamu zvenyu zvitatu zvavanhu chichafa nedenda kana kuparara nenzara pakati penyu, chimwe chacho chichaurayiwa nebakatwa munharaunda yenyu. Chikamu chechitatu ndichachimwararisa kumativi ose chakabatirwa bakatwa mumaoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chetatu chako chichafa nehosha yakaipa, uye vachapedzwa nenzara mukati mako; chetatu chichaparadzwa nomunondo kumativi ako, nechimwe chikamu chetatu ndichachiparadzira kumhepo dzose, nokuvhomora munondo shure kwavo.
Shona 2009?
Chetatu chako chichafa nehosha yakaipa, uye vachapedzwa nenzara mukati mako; chetatu chichaparadzwa nomunondo kumativi ako, nechimwe chikamu chetatu ndichachiparadzira kumhepo dzose, nokuvhomora munondo shure kwavo.
Shona SUB 2002 Bible
Chetatu chako chichafa nechirwere chakaipa, uye vachapedzwa nenzara mukati mako; chetatu chichaparadzwa nomunondo kumativi ako, nechimwe chikamu chetatu ndichachiparadzira kumhepo dzose, nokuvhomora munondo shure kwavo.