Ezekiel 5:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicatuma pamsoro penyu nzara neɀikara ɀakaipa ɀicakutorerai ʋana; hosha yakaipa neropa ɀicapfuʋura napakati pako; ndicaʋuyisa munondo pamsoro pako. Ini Jehova, ndini ndakataura iɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichatuma nzara nezvikara kuti zvizokurwisa, uye zvichakusiya usisina mwana. Denda nokuteuka kweropa zvichapfuura nomauri, uye ndichauyisa munondo pamusoro pako. Ini Jehovha ndataura.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichakutumirai shangwa yenzara nezvikara zvesango, zvichakurozvai vana, denda richakuvingai ropa richideuka pakati penyu ndichikuuyisirai bakatwa pamuri iyemi. Ini Tenzi ndini ndazvireva.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichatuma pamusoro penyu nzara nezvikara zvakaipa zvichakutorerai vana; hosha yakaipa neropa zvichapfuura napakati pako; ndichauyisa munondo pamusoro pako. Ini Jehovha, ndini ndakataura izvozvo.”
Shona 2009?
Ndichatuma pamusoro penyu nzara nezvikara zvakaipa zvichakutorerai vana; hosha yakaipa neropa zvichapfuura napakati pako; ndichauyisa munondo pamusoro pako. Ini Jehovha, ndini ndakataura izvozvo."
Shona SUB 2002 Bible
Ndichatuma pamusoro penyu nzara nezvikara zvakaipa zvichakutorerai vana; chirwere chakaipa neropa zvichapfuura napakati pako; ndichauyisa munondo pamusoro pako. Ini Jehovha, ndini ndakataura izvozvo.”