Ezekiel 5:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino cetatu caro upise nomŋoto pakati peguta, kana mazuʋa okukombga kwaro apera; utore ʋo cimŋe cetatu, ugotema nomunondo kumatiʋi aro ose; ʋuye cetatu uparadzire kumhepo, ipapo ini ndicavomora munondo shure kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panopera mazuva okukomba kwako, upise nomoto chetatu chebvudzi uri mukati meguta. Ugotora chimwe chetatu uchiteme nomunondo uchipoteredza guta. Ugoparadzira chimwe chetatu kumhepo. Nokuti ini ndichavadzingirira nomunondo wakavhomorwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chimwe chezvikamu zvitatu zvevhudzi iroro unofanira kuchipisa mumoto pakati chaipo peguta. Kana mazuva okukombwa kwaro azopera, unotora chimwewo chikamu charo chiya wochidimura-dimura nebakatwa kutenderera guta iroro. Zvino chimwewo chikamu charo chechitatu unochimwaya kumhepo uye ndichavaburitsira bakatwa muhara rivaronde.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino chetatu charo upise nomoto pakati peguta, kana mazuva okukombwa kwaro apera; utorewo chimwe chetatu, ugotema nomunondo kumativi aro ose; uye chetatu uparadzire kumhepo, ipapo ini ndichavhomora munondo shure kwavo.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible