Ezekiel 6:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naShe Jehova: Roʋa noruʋoko rwako, tsikisa norutsoka rwako, uti: Maiwe! nokuɗa kweɀinonyaŋgadza ɀakaipa ɀose ɀeimba yaIsraeri; nokuti ʋacaʋurawa nomunondo nenzara nehosha yakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Rovai maoko enyu pamwe chete uye mudzane-dzane netsoka dzenyu mudanidzire muchiti, “Maiwe!” nokuda kwezvakaipa zvose nezvinonyangadza zveimba yaIsraeri, nokuti vachaurayiwa nomunondo, nzara nedenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi Mwari, “Rova-rovanisai maoko muchitamba-tambisa makumbo muchiti, ‘Maiwe-e kani inga zvatiwana, pamusana pezvinosemesa Mwari zvose zvemba yaIsiraeri, nokuti vachafa nebakatwa, neshangwa yenzara, nedenda.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naIshe Jehovha, “Rova noruoko rwako, tsikisa pasi norutsoka rwako, uti, ‘Maiwe!’ Nokuda kwezvinonyangadza zvakaipa zvose zveimba yaIsiraeri; nokuti vachaurawa nomunondo nenzara nehosha yakaipa.
Shona 2009?
Zvanzi naIshe Jehovha, "Rova noruoko rwako, tsikisa pasi norutsoka rwako, uti, `Maiwe!' Nokuda kwezvinonyangadza zvakaipa zvose zveimba yaIsiraeri; nokuti vachaurawa nomunondo nenzara nehosha yakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naIshe Jehovha, “Rova noruoko rwako, tsikisa pasi norutsoka rwako, uti, ‘Maiwe!’ Nokuda kwezvinonyangadza zvakaipa zvose zveimba yaIsiraeri; nokuti vachaurayiwa nomunondo nenzara nechirwere chakaipa.