Ezekiel 6:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imi mucaziʋa kuti ndini Jehova, kana ʋanhu ʋaʋo, ʋakaʋurawa, ʋari pakati peɀifananidzo ɀaʋo ʋakakomberedza maartari aʋo, pacikomo cimŋe necimŋe cakakwirira, napamsoro pemisoro yose yamakomo, napasi pomuti mumŋe nomumŋe mutema, napasi pomuouki mumŋe nomumŋe mukobvu, ipo panɀimbo dzose paʋaipisira ɀifananidzo ɀaʋo ɀose ɀinonhuwira ɀakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye vachaziva kuti ndini Jehovha, kana vanhu vavo vakaurayiwa vari pakati pezvifananidzo zvavo zvakapoteredza aritari dzavo, napazvikomo zvose zvakakwirira napamusoro pamakomo ose, napasi pemiti yakapfumvutira nemiti yomuouki yose ina mashizha panzvimbo dzavaipira zvinonhuwira kuzvifananidzo zvavo zvose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndipo pamuchaziva kuti ini ndini Tenzi panenge poti zvitunha zvavo pasi katakata mukati mezvifananidzo zvavo zvokunamata zvatenderedza atari dzavo pazvikomo zvose, napamusoro pemakomo ose, nepasi pemuti woga woga una mashizha manyoro napasi pomiti yose yemioku yakati gudegude napose pavanopira zvinonhuwira kuzvifananidzo zvavo zvose zvokunamata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imi muchaziva kuti ndini Jehovha, kana vanhu vavo, vakaurawa, vari pakati pezvifananidzo zvavo vakakomberedza maaritari avo, pachikomo chimwe nechimwe chakakwirira, napamusoro pemisoro yose yamakomo, napasi pomuti pomouki mumwe nomumwe mukobvu, ipo panzvimbo dzose pavaipisira zvifananidzo zvavo zvose zvinonhuwira zvakanaka.
Shona 2009?
imwi muchaziva kuti ndini Jehovha, kana vanhu vavo, vakaurawa, vari pakati pezvifananidzo zvavo vakakomberedza maaritari avo, pachikomo chimwe nechimwe chakakwirira, napamusoro pemisoro yose yamakomo,napasi pomuti mumwe nomumwe mutema napasi pomuouki mumwe nomumwe mukobvu, ipo panzvimbo dzose pavaipisira zvifananidzo zvavo zvose zvinonhuhwira zvakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Imi muchaziva kuti ndini Jehovha, kana vanhu vavo, vakaurayiwa, vari pakati pezvifananidzo zvavo vakakomberedza maatari avo, pachikomo chimwe nechimwe chakakwirira, napamusoro pemisoro yose yamakomo, napasi pomuti pomuoki mumwe nomumwe mukobvu, ipo panzvimbo dzose pavaipisira zvifananidzo zvavo zvose zvinonhuwira zvakanaka.