Ezekiel 6:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro paʋo, nyika ndicaiita ɗoŋgo nokuiparadza, kubva parenje kuȿikira Dibra, pose paʋanogara; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndivarwise ndigoparadza nyika nokuita dongo kubva kugwenga kusvikira kuDhibhira, kwose kwose kwavanogara. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichasimudza simba reruoko rwangu kuvarwisa ndichiita kuti nyika isakare isare yangova nyika zvayo kwose kugere vanhu kubvira kurenje kusvika kuRibhura. Ndipo pavachaziva kuti ini ndini Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavo, nyika ndichaiita dongo nokuiparadza, kubva parenje kusvikira Dhibhira, pose pavanogara; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.”
Shona 2009?
Ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavo, nyika ndichaiita dongo nokuiparadza, kubva parenje kusvikira Dhibhira, pose pavanogara; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavo, nyika ndichaiita dongo nokuiparadza, kubva parenje kusvikira Dhibhira, pose pavanogara; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.”