Ezekiel 6:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakapukunyuka pakati penyu ʋacandiraŋgarira pakati pamarudzi, kwaʋacatapirwa, kana ndaputsa mŋoyo yaʋo yokufeʋa, yakandirasha, nameso aʋo aipata aciteʋera ɀifananidzo ɀaʋo; ʋacaɀisema iʋo ʋamene pamsoro peɀakaipa ɀaʋakaita paɀinyaŋgadzo ɀaʋo ɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vakapukunyuka vachandirangarira vari pakati pendudzi kwavakaendeswa kuutapwa, kuti ndakashungurudzwa sei nemwoyo yavo youfeve, iyo yakatsauka kubva kwandiri, uye nameso avo, akachiva zvifananidzo zvavo. Vachazvisema pachavo nokuda kwezvakaipa zvavakaita nezvinyangadzo zvavo zvose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ipapo vamwe venyu vanenge vapunyuka vachandirangarira vari mukati memarudzi kwavanenge vakaendwa navo kuutapwa pandichaparadza mwoyo wavo woruchiva wakabva kwandiri ukapofomadza meso avo voita kamwoyomwoyo kokupindukira kuzvifananidzo zvavo zvokunamata. Saka zvichaita kuti vazvishore pamusana pouipi hwavakaita nezvinhu zvavo zvinondisemesa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakapukunyuka pakati penyu vachandirangarira pakati pamarudzi, kwavachatapirwa, kana ndaputsa mwoyo yavo yokufeva, yakandirasa, nameso avo aipata achitevera zvifananidzo zvavo; vachazvisema ivo vamene pamusoro pezvakaipa zvavakaita pazvinyangadzo zvavo zvose.
Shona 2009?
Zvino vakapukunyuka pakati penyu vachandirangarira pakati pamarudzi, kwavachatapirwa, kana ndaputsa moyo yavo yokufeva, yakandirasa, nameso avo aipata achitevera zvifananidzo zvavo; vachazvisema ivo vamene pamusoro pezvakaipa zvavakaita pazvinyangadzo zvavo zvose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakapukunyuka pakati penyu vachandirangarira pakati pamarudzi, kwavachatapirwa, kana ndaputsa mwoyo yavo yokufeva, yakandirasa, nameso avo aipata achitevera zvifananidzo zvavo; vachazvisema ivo vomene pamusoro pezvakaipa zvavakaita pazvinyangadzo zvavo zvose.