Ezekiel 7:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ŋguʋa yaȿika, zuʋa raʋa pedyo; muteŋgi ŋgaarege kufara, muteŋgesi ŋgaarege kucema; nokuti kutsamŋa kuri pamsoro paʋanhu ʋose ʋenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nguva yauya, zuva rasvika. Mutengi ngaarege kufara uye mutengesi ngaarege kusuwa, nokuti hasha dziri pamusoro pavazhinji vose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nguva iya yauya, zuva riya raswedera. Mutengi ngaarege hake kupembera kufara kunyange iye mutengesiwo kuchema nhamo nokuti hasha dzavirukira gungano ravo rose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nguva yasvika, zuva rava pedyo; mutengi ngaarege kufara, mutengesi ngaarege kuchema; nokuti kutsamwa kuri pamusoro pavanhu vose venyika.
Shona 2009?
Nguva yasvika, zuva rava pedo; mutengi ngaarege kufara, mutengesi ngaarege kuchema; nokuti kutsamwa kuri pamusoro pavanhu vose venyika.
Shona SUB 2002 Bible
Nguva yasvika, zuva rava pedyo; mutengi ngaarege kufara, mutengesi ngaarege kuchema; nokuti kutsamwa kuri pamusoro pavanhu vose venyika.