Ezekiel 7:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munondo uri kunze, hosha yakaipa nenzara ɀiri mukati; uri kusaŋgo ucaʋurawa nomunondo; uri muguta ucapedzwa nenzara nehosha yakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kunze kuno munondo, mukati mune denda nenzara; vaya vari musango vachafa nomunondo, uye vari muguta vachapedzwa nenzara nedenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunze uku kune bakatwa, mukati mune denda neshangwa yenzara. Vari musango vari kupera nebakatwa, vari mukati meguta vari kupera kufa neshangwa yenzara nedenda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munondo uri kunze, hosha yakaipa nenzara zviri mukati; ari kusango achaurawa nomunondo; ari muguta achaparadzwa nenzara nehosha yakaipa.
Shona 2009?
Munondo uri kunze, hosha yakaipa nenzara zviri mukati; ari kusango achaurawa nomunondo; ari muguta achaparadzwa nenzara nehosha yakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Munondo uri kunze, chirwere chakaipa nenzara zviri mukati; ari kusango achaurayiwa nomunondo; ari muguta achaparadzwa nenzara nechirwere chakaipa.