Ezekiel 8:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pamberi paɀo pakaŋga pamire ʋarume ʋanamakumi manomŋe ʋaʋakuru ʋeimba yaIsraeri; pakati paʋo pakaŋga pamire Jaazania mŋanakomana waShafani, mumŋe nomumŋe akaɓata haryana yake yeɀinonhuwira muruʋoko rwake; munhuwi wegore reɀinonhuwira ukaramba ucikwira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamberi pazvo pakanga pamire vakuru makumi manomwe veimba yaIsraeri, uye Jaazania mwanakomana waShafani akanga akamira pakati pavo. Mumwe nomumwe akanga akabata hadyana yezvinonhuwira muruoko rwake, uye munhuwi wegore rezvinonhuwira wakanga uchingokwira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamberi pazvo pakanga pamire makumi manomwe avarume vari vakuru vakuru vemba yaIsiraeri vaina Jaazaniya mwanakomana wokwaShafani amire pakati pavo. Mumwe nomumwe wavo aiva nebisiro rorusenzi muruoko. Izvozvo gore routsi hworusenzi hwaitogoka mudenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pamberi pazvo pakanga pamire varume vana makumi manomwe vavakuru veimba yaIsiraeri; pakati pavo pakanga pamire Jaazania mwanakomana waShafani, mumwe nomumwe akabata hadyana yake yezvinonhuwira muruoko rwake; munhuwi wegore rezvinonhuwira ukaramba uchikwira.
Shona 2009?
Pamberi pazvo pakanga pamire varume vana makumi manomwe vavakuru veimba yaIsiraeri; pakati pavo pakanga pamire Jaazania mwanakomana waShafani, mumwe nomumwe akabata hadyana yake yezvinonhuhwira muruoko rwake; munhuwi wegore rezvinonhuhwira ukaramba uchikwira.
Shona SUB 2002 Bible
Pamberi pazvo pakanga pamire varume vana makumi manomwe vavakuru veimba yaIsiraeri; pakati pavo pakanga pamire Jaazania mwanakomana waShafani, mumwe nomumwe akabata hadyana yake yezvinonhuwira muruoko rwake; munhuwi wegore rezvinonhuwira ukaramba uchikwira.