Ezekiel 8:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akandiisa muruʋazhe rwomukati rweimba yaJehova; tarira, pamukoʋa wetembere yaJehova pakati peɓiraʋira neartari, kwakaŋga kunaʋarume ʋaneŋge makumi maʋiri naʋashanu, ʋakafuratira tembere yaJehova, ɀiso ɀaʋo ɀakariŋgira kurutiʋi rwamabvazuʋa; ʋakaŋga ʋacinamata zuʋa kurutiʋi rwamabvazuʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino akaenda neni kuruvazhe rwomukati meimba yaJehovha, uye ipapo pamukova wetemberi, pakati pebiravira nearitari, pakanga pana varume vaikarosvika makumi maviri navashanu. Vakafuratira temberi yaJehovha uye zviso zvavo zvakatarisa kumabvazuva, vakanga vachipfugamira zuva kurutivi rwamabvazuva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akapinda neni munhandare yomukatikati memba yaTenzi, onei pamusuo weTemberi yaTenzi pakati pekamba kepamusuo neatari paine varume vaikarosvika makumi maviri navashanu vakapira gotsi Temberi yaTenzi vakatarisa kumabvazuva vachipfugamira zuva kumabvazuva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akandiisa muruvanze rwomukati rweimba yaJehovha; tarira, pamukova wetemberi yaJehovha pakati pebiravira nearitari, kwakanga kuna varume vanenge makumi maviri navashanu, vakafuratira temberi yaJehovha, zviso zvavo zvakaringira kurutivi rwamabvazuva; vakanga vachinamata zuva kurutivi rwamabvazuva.
Shona 2009?
Ipapo akandiisa muruvanze rwomukati rweimba yaJehovha; tarira, pamukova wetemberi yaJehovha pakati pebiravira nearitari, kwakanga kuna varume vanenge makumi maviri navashanu, vakafuratira temberi yaJehovha, zviso zvavo zvakaringira kurutivi rwamabvazuva; vakanga vachinamata zuva kurutivi rwamabvazuva.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akandiisa muruvanze rwomukati rweimba yaJehovha; tarira, pamukova wetemberi yaJehovha pakati pebiravira neatari, kwakanga kuna varume vanenge makumi maviri navashanu, vakafuratira temberi yaJehovha, zviso zvavo zvakaringira kurutivi rwamabvazuva; vakanga vachinamata zuva kurutivi rwamabvazuva.